Zvakakunyanyira zvakakuwandira zvakakurambidza Zvakakuratidza zvakakutambisa zvakakutambidza Makavaimbireiko makavaitireiko makavaisireiko Zvakapfuura Zvakapfuura Zvakapfuura zvakapfuura Wakamuka wakafunda Wakakudza wakakunda Wakapusa wakasungwa Wakatumwa wakaruza Wakasvuta wakatuka Zvakapfuura zvakapfuura nechikonzero Ndiko kwazvinofanira kugara Asi atigoni kuzviregedza Zvinotidya misoro yedu Tarisiro ichava zvataimbova Mhosho dzatakaita mukurarama Dai chete taigona kuona Kuti atikwanisi kuzvichinja Kunyangwe tikarega kufunga nekuchema Zvakapfuura Zvakapfuura Zvinoitika zvinoitika nezvikonzero zvausingazive Saka unofanirwa kurega makadhi abude Usaputirwe mune zvisina kunaka Usasundirwe kure kusina mukaka Usafurirwe uye mirira mukana Kwete kuzongoti tuzu wakamirira Nyaya dzacho dzotoda kufambirwa Kwete kungomirira kutambidzwa Unozotambidzwa worasirwa wotarirwa woshandirwa woradzikwa woshaikwa Zvakapfuura Zvakapfuura Iva nemufaro mukuru mukuru hanga haigare Zuva rekutanga pane zvawakaphiwa Wanga uchizviziva here Raramira kwanhasi kwete mangwana Simuka chimuka chimutsa chimhuka Warambwa waramba wazama Wakanzwa kunaka kwenyasha Wakamwa mukaka munyama Wakabva wapera mukana Wakandwa chifamba chizama Kuchinja zvakapfuura