Advertisement Area
Wordpress backlinks generator
Free public records and people finder tool
Free People Finder Tool
Creative shipping and logistics solution in Egypt
Wordpress backlinks generatorAmireta | All that relate to the woman, The health, And the beautyأميريتا - كل ما يخص المرأة و الصحة و الجمالVisit Visit Visit

ZVAKAPFUURA – Admire Mufakazi

Zvakakunyanyira zvakakuwandira zvakakurambidza
Zvakakuratidza zvakakutambisa zvakakutambidza
Makavaimbireiko makavaitireiko makavaisireiko
Zvakapfuura Zvakapfuura
Zvakapfuura zvakapfuura
Wakamuka wakafunda
Wakakudza wakakunda
Wakapusa wakasungwa
Wakatumwa wakaruza
Wakasvuta wakatuka
Zvakapfuura zvakapfuura nechikonzero
Ndiko kwazvinofanira kugara
Asi atigoni kuzviregedza
Zvinotidya misoro yedu
Tarisiro ichava zvataimbova
Mhosho dzatakaita mukurarama
Dai chete taigona kuona
Kuti atikwanisi kuzvichinja
Kunyangwe tikarega kufunga nekuchema
Zvakapfuura Zvakapfuura
Zvinoitika zvinoitika nezvikonzero zvausingazive
Saka unofanirwa kurega makadhi abude
Usaputirwe mune zvisina kunaka
Usasundirwe kure kusina mukaka
Usafurirwe uye mirira mukana
Kwete kuzongoti tuzu wakamirira
Nyaya dzacho dzotoda kufambirwa
Kwete kungomirira kutambidzwa
Unozotambidzwa worasirwa wotarirwa woshandirwa woradzikwa woshaikwa
Zvakapfuura Zvakapfuura
Iva nemufaro mukuru mukuru hanga haigare
Zuva rekutanga pane zvawakaphiwa
Wanga uchizviziva here
Raramira kwanhasi kwete mangwana
Simuka chimuka chimutsa chimhuka
Warambwa waramba wazama
Wakanzwa kunaka kwenyasha
Wakamwa mukaka munyama
Wakabva wapera mukana
Wakandwa chifamba chizama
Kuchinja zvakapfuura

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

Advertisement Area
Wordpress backlinks generator
Free public records and people finder tool
Free People Finder Tool
Creative shipping and logistics solution in Egypt
Wordpress backlinks generatorAmireta | All that relate to the woman, The health, And the beautyأميريتا - كل ما يخص المرأة و الصحة و الجمالVisit Visit Visit