ZveNyika ndezveNyika Zvichapera zvakarehwa Vanotenda vachasengwa Vakananga kumatenga Fambai zvakanakisisa Rambai makatarisira Garai makagadzirira Tine nguva dzatakasangana nezvakatiremera Tine mabasa akasiyana siyana Angava akanaka angava akaipa Atakambenge tiri mukati mawo Tine vanotida Tine vanonyepera Tine vasingatide Tine nguva dzatakaraswa nekuda kwezvatakaita Yakatireva Yakatisema Yakatiseka Yakatipedza Yakatirega Nyika haiteererwi nekuti Nyika haipererwi Zvakare Nyika hairevererwi Takava chiseko cheNyika Zino rakaita chirema Ndipo patakabva tapepuka Takabva tayeuka Kwainge kusati kwayedza Takabva tapedza Iyo yaitorova magwiriri Dziya dzamunoti ngonono Yakapepuka kwayedza Tapedza Taleza Tarenda Sarenda Tayenda