Ko mucharamba muchindikanganwa kusvikira riniko nhai Tenzi Mucharamba makandivanzira chiso chenyu kusvikira riniko Riniko Riniko Kusvikira riniko Ko ndicharwadziwa moyo kusvikira riniko Ndine shungu mumoyo mangu siku nesikati here Ko muvengi wangu achagara akanditsikirira kusvikira riniko Zvino chizvionai mundipindure imi Tenzi Mwari wangu svinudzai meso angu Kuti ndisavata hope Dzorufu Asi ini ndinovimba nenyasha dzenyu mandiponesa Moyo wangu uchafara ndichaimbira Tenzi Nokuti akandiitira zvakanaka Asi ini ndinovimba nenyasha dzenyu mandiponesa Moyo wangu uchafara ndichaimbira Tenzi Nokuti akandiitira zvakanaka Kuti muvengi wangu arege kuzoti ndamukunda Mhandu dzangu dzichizopembera Kana ndikanga ndazunzwa Asi ini ndinovimba nenyasha dzenyu mandiponesa Moyo wangu uchafara ndichaimbira Tenzi Nokuti akandiitira zvakanaka Asi ini ndinovimba nenyasha dzenyu mandiponesa Moyo wangu uchafara ndichaimbira Tenzi Nokuti akandiitira zvakanaka Ko mucharamba muchindikanganwa kusvikira riniko nhai Tenzi Mucharamba makandivanzira chiso chenyu kusvikira riniko Riniko Riniko Kusvikira riniko