Chirumhanzu Ndauya kuzombopira Ndauya Ndauya Ndauya Madzibaba edu ese Madzisekuru edu ese Madzitateguru honaiwo vhurai maziso Vanobva kwaChirumhanzu Ndiyoyika ino nguva Toda kumbopirawo mupiro Gonawapotera Mapiravana Moyomusande Nyautonge Charandura Chinyuni Magona Chimwango Mavhaire vekwaDebwe vari pano PaJofa ariviri ndiri sobha Ndakazvarirwa paSt Theresa ndikarerwa kwaMavhaire Asi ndinobva kwaDebwe kwaChimwango tisuka vana Sinyoro Vadyi vembwa vari pano ndipei kuno ndimbokatsa mugido Munyasi megomo rinonzi Upfumba ndipo pane musha Ndinobva kwaChirumhanzu Ndiko kwandakazvarirwa Ndiko kwandakarerwa Ndiko kwandakafunda ndikoko Ndiri paHama paMission Ndipo pandakaita O Level Advanced ndakazoitira paHoria Horia ndendende Ndisingakanganwi kwaMajandu ndiko kwandakaita primary Ndinoda kupa kutenda vakuru venzvimbo yekwaChirumhanzu Ndakuda kumbotora matanho kuda kutsvaga mazano Ndoda kuona vaya vanobva nechekuya uko kwaMachekano Ndiri mugomo reHoria Ndauya kuzopa mupiro VekwaMuwani huyai VekuChizhou svikai Shashe river richishinyira Rikuita kudira dira Ngwena dzakazara imomo unodyiwa Kufira mafufu segonzo Mangoma Mhende Mutya Rufaro Tirimo maChirumhanzu Igonawapotera ukaita munyama unomedzwa Munoda vakasimba pari pahana vaya vanobva Vabvi Musazotigayira mahora nekuti titori makora Chirumhanzu Chirumhanzu Shumba inoruma mhandu Shumba inoruma Inoruma mhandu Chirumhanzu Ndauya kuzombopira Ndauya Ndauya Ndauya Madzibaba edu ese Madzisekuru edu ese Madzitateguru honaiwo vhurai maziso Vanobva kwaChirumhanzu Ndiyoyika ino nguva Toda kumbopirawo mupiro